Mitupo Yose
Mitupo Yose
Moyo
MOYO MOYONDIZVO
Hekani Sahayi
Dhewa
Moyondizvo
Vakami vomukaka
Bvumavaranda
vakadzi vaChiza vomene
Dzimbahwe rerupwetepwete
Vari urozvi Nhandare
Sahayi mhondoro
Jengetanyika
Mwene wavanhu
VaChuru chamapfunde manji
VaChirisamhuru
Muzinda wen’ombe
Gorokotera
chiri mudanga
ndambachirashwa
VokwaChuma chamambo
chamachira chinosakara
Mupfudze waNyan’ombe
Chiwanzamukaka
Chipuriro chamafuta
Vachisiyandanyara
Vari Manyanga
MOYO CHIRANDU
Mazviita Moyo,
Maita Chirandu,
Gonoren'ombe,
Mushayachirashwa,
Mukaka tinomwa,
Mafuta tichizora,
Nyama tinodya,
Ganda tichikakise ngoma,
Ndove tinodzurisa mudzimba,
Muswe tinopumhisa,
Nyanga tichiita gonan'ombe.
Maita Chirandu,
Maita Moyo,
Maita Sahi,
Maita dhewa rangu.
Maita Bvumavaranda,
Gono raMutindi naGochedza,
Vari Maronga.
Maita vana vaPfupajena,
Vari muDuma neChidumana.
Maita vari Dikitiki,
Vari Ushava,
MOYO SINYORO
Maita Sinyoro,
Zvaitwa Muroro,
Vagari vamachira,
VaZungu vamachira machena,
Vakauya nomumvura
Kuzoshambadza ndoro nendarira.
Kuziva zvenyu vashambadzi,
Maita vezviuya zvinenge mukaka,
Unodyiwa navasina meno,
Tatenda vadyi vamazai,
Vamupfuramagidi,
Nguo takasuka kare,
MOYO NEMATOMBO
Maita Moyo,
Maita Nematombo,
MOYO WAKAPIWA
Moyo Wakapiwa
Maita Wakapiwa,
Maita veGuruuswa, Chirandu,
Moyo Mukumbuzi
Hekani Mukumbudzi,
Vaera Moyo,
Vari Zvihota,
Vanoswera kuteverwa nevakadzi
Hekani Mukumbudzi,
Madevanoruwere
Maita Mukumbudzi,
Maita veGuruuswa, Chirandu,
Hekani Moyo yangu iyi,
Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi,
Vari Tanganyika,
Mutakurwa,
Bvumavaranda,
Vauya veMhani,
Mwana waMukwengapasi naMunyepi,
Moyo Mukumbudzi pasi rose.
Maita vari Zangaome, vari Mahumwi,
Hekani Mbuya, Ziriwosehwa.
Maita vari Garara, Matandare.
Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa.
Hekani Moyo, vari Mahusekwa.
Maita vari Chikwizu neChikura,
Zvaonekwa vari Jeranondo,
Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega,
Gwezvavanhu vari kuna Mucheranegombe.
Maita vari Wona, totenda vari Dikitira,
Mwana waZiriwosehwa, hekani Nhandare.
Maita vari uRozvi, vakabva Guruuswa,
MOYO AKATAKWA
Moyo Akatakwa
Maita Moyo,
Akatakwa,
Chirandu chamambo,
Mwana waKuredzamuswe,
Mawire,
Dunzvi renhika,
Chiri mugore,
Chikwariwa chakabeta mwanzva wenyoka.
Maita Sahayi,
Mhumba yangu yiyi Nhandare,
Dooremhuka,
Dunzvi renhika,
Aiwa zvaitwa Mugoverwa
MOYO MUGONDERWA
Moyo Mugonderwa
N'ombe huru,
Nyamayavo.
MOYO MUSHORIWA
Moyo Mushoriwa
Hekani Chidonhamuto,
Inonaya chirimo,
Isingatinhire,
Kuziva zvenyu vari Mabvazuva,
MOYO MUTURIKWA
Moyo Muturikwa
Maita Moyo,
Muturikwa.
Maita Nhumba,
Chirandu changu chichi.
Zvaitwa vari Nhandare,
Maita vaReve,
Tatenda vamazhumu,
MuGutsa wangu yuyu,
Vamabwe machena,
Vachipwanyamateteni.
Maita vari muna Shavanhohwe,
Moyo yangu yiyi
Maita zvenyu,
Zano renzombe
MOYO SHAYAMOMBE
Moyo Shayamombe
Evoi Moyo,
Shayamombe,
Maita vari Manhize,
Kuziva zvenyu vokwaMudimuranwa,
Maita veChigara.
Maita vari Chikapakapa.
Maita vari Chikomba.
Zvaitwa vari Man'ozhwe
Vakaumba churu nemate.
Maita Moyo yangu yiyi,
Zvaoneka Shayamombe,
Aiwa zvaitwa mwana waMurambwa.
MOYO SITHOLE
Moyo Sithole
MOYO WADYEGORA
Moyo Wadyegora
Maita Wadyegora,
Evo, Moyo, mwana waRusike,
Shava Museyamwa
Maita Shava,
Mhofu yomukono, Ziwewera,
VokwaMutekedza,
Vakatekedzana paJanga,
Vakapihwa vakadzi munyika yavaNjanja.
Maita nhuka,
Shava yangu yiyi,
Hekani Mutekedza,
Vari uHera Mukonde,
Zvaitwa Mhukahuru,
Vemiswe inochenga miviri,
Zienda netyaka,
Mutunhu une mago,
Vanovangira vashura vhu,
Kutsivira mutumbi,
Chidavarume, vanovhimwa navanonyanga,
Vakakamonera vakadzi dzenhema,
Vanomonera vakadzi dzamangondi,
Vanochemera wavatanga,
Vanemisodzi isodonha pasi,
Kuti yadonha yoda nhevedzo yaro romunhu ropa.
Tinotenda vari Matenhere,
Vari pazvikomo zveMbwenya.
Maita veTsambo chena,
Mhofu yomukono,
Kuyambuka rwizi mvura yakwira makomo.
Totenda voMuchimbare,
VeGuruuswa,
Vanenzanga chena kunge mwedzi wejenachena,
Maita Museyamwa,
Nhuka yangu yiyi.Kuziva zvenyu vaShava Mukonde
Vari Gombe
Zvaonekwa vahombarume
Zvaitwa Mbiru
Aiwa zvaonekwa Sarirambi
Zvaitwa Nyashanu.
SHAVA MUTENHESANWA
Shava Mutenhesanwa
Maita Mutenhesanwa,
Shava yangu yiyi,
Zvaitwa mwana waChiweshe,
Mugova wakarasika,
Mutsika pane mbiri,
Mhandamakan'a,
Marambakukundwa,
VokwaMutovamombe,
Makatova mombe neshamhu ikamuka.
Hekani Masvinga,
Dzvangaranga,
Venzanga chena,
VaChimbare,
Chidavarume.
Maita Nhuka,
Mhukahuru,
Maita VaShava,
VeGumbakumba,
Vepfupa gobvu.
Maita Shava,
Maita vokwaSadzadete,
Gobvu rinodzipa mwana.
Aiwa zvaonekwa Nechombo
Mwana waChiweshe.
SHAVA MWENDAMBERI
Shava Mwendamberi
VeChitemberere.
Maita Mvurayadzongwa
Matangakunwa Shava yangu yiyi,
Vari shure vanomwa mabvongwe,
Varimberi vachinwa tsvene,
Nyahunzvi,
Shava yangu yiyi,
Zvaitwa vari Tsonzo,
Vana vaChikono chengwe VokwaZongororo kunava,
Ariona ati rakafa,
Zvaitwa veChitemberere,
Vaera mhofu,
VokwaMazurukuwanda, kurimugukwa,
Maita VaKarimudunhu uchizvinwzira.
Zvaitwa VaShava vana vaChivero,
Aiwa zvaonekwa Mendamberi.
SHAVA NYAKUDIRWA
Shava Nyakudirwa
Maita Masvinga,
Hekani Muchamaya,
Zvaitwa mwana waKache
Tinoenda Mhukahuru,
Maita vari Shangure,
Kuziva zvenyu vari Chikwidibire.
Maita matateguru,
Vari Chamukwenjera.
Zvaitwa vari Maware,
Hekani Gurudza,
Vokwa Tungebwe, vokwaMuchenje.
Hekani Bonda,
Mhofu yangu yiyi,
Zvaonekwa mwana waMusanyange.
Maita Makanganya, Maguhwu.
Tinotenda mwana waMukunyadzi naNyanzira,
Varandutsira vamwe pfumo rauya
Richibva kune imwe nyika,
Aiwa zvaitwa Nhuka.
SHAVA VHURAMAVI
Shava Vhuramavi
Zuruvi,
Vhuramavi,
VaSeke Mukonde,
VaVhanganyama,
Vakavhanga nyama nohwahwa.
Maita VaSeke,
Chikove,
Chidziva china masahwa,
Maita waZengeza,
Vokwa Sadzadete,
Zvaitwa Chinerembe,
Evo Masvinga,
Ziwewera,
VokwaMuchenje, vokwaMunakirapasi,
Maita zvenyu Zuruvi.
Kuziva zvenyu vari Nharira,
Tinotenda vari Zvipindu,
VaHara vokwaSeke,
Vari Rare,
Aiwa zvaitwa Vhuramavi.
SHAVA MUFAKOSE
Shava Mufakose
Maita Shava,
Maita Mufakose,
VokwaNyamhangambiri.
Maita Chidavarume,
Vanotokundwa pakusakura,
Pavakadzi pasina anovakunda.
Maita mwana waHwata,
Mukonde wangu yuyu.
Maita veGomba vakabva kwaNyashanu,
Mwana waShirichirima,
Ano mutsa nengoni,
Akaitira ngoni vakanga vatandwa,
Akavadzorera muShavarunzwe,
Maita vokwaSadzadete,
Gobvu rinokonza chitsi.
Maita Gurudza vokwatsangadzi Isakacherwa ikapera,
Maita Nhuka yangu yiyi,
Matuka, mhofu yomukono.
Kudya mhofu kudya munyepfu,
Kudya bvupa meno omokotoka.
Aiwa zvaonekwa Shava yangu yiyi,
Tatenda mwana waHwata.
SHAVA MHIZHA
Shava Mhizha
Maita Mhizha,
Zvaitwa Nhuka.
Maita Mukonde wangu yuyu,
Vamangurirambezhu vava,
Vasingabati mbezhu neshangwa.
Maita Mhizha yangu yiyi,
Mupaya, waMabweadziva,
Vakadzivira Dzimbabwe kwaMwari.
Maita vari Bvumbura,
Aiwa zvaonekwa Shava yangu yiyi.
SHAVA MAZARURA
Shava Mazarura
Maita Shava,
Mazarura,
Mwana waRwizi Mukonde,
VeMadzure,
Muti mutema Chitungwiza,
Maita Mazarura,
Mukombe wendye,
Vokwanyangenyange,
Vakanyanga churu namate,
VokwaMuchenje wachuru,
Vari Madzure mukonde,
Aiwa zvaitwa Mazarura,
Mwana waRwizi.
Matapatira - Hungwe
Shiri Maokomavi
Mazviita Shiri,
Hungwe,
Matapira,
Ziendanomudenga,
Pasi yakatya ndove,
Mudyanavana,
Kunyima vana zvinoshura,
Vakadzi kuvarume vavo,
Vaira shiri nebanga hazvionani,
Zvombo zveshumba,
Muranda wavanhukadzi.
Zvaitwa Hungwe yangu yiyi,
Shiri isina shura nomunhu,
Haiwa, maita Shiri,
Mwana waChasura.
Maita zvenyu vaChifambanokudenga,
Zvaitwa vaira Shiri,
Shiri chena, tarirai kwadzinobva,
Gonerakudera, vaMurefu,
Mapatapasi,
VokwaChinobhururuka,
Muira shiri wangu yuyu,
Shiri iri Hungwe.
Aiwa zvaonekwa maokomavi.
ZENDA SIMBIRORI
Maita Zenda,
Maita Simbirori,
Hungwe,
Muchererakure.
Zvaonekwa Kakomarara.
Maita mwana waBuru,
Maita basa Mamburuka.
Hororo yangu yiyi,
Mushayahanyn'a,
Matapatira,
Vatsori venyika,
VanaMurambatsvina,
VaSupai, vanofamba nomudenga.
Kuziva zvenyu vokwaChipadze,
Varere Chipinduramhuka,
Gomo ravo,
Aiwa zvaitwa Zenda,
Simbirori.
Soko
SOKO VHUDZIJENA
Ewoi Soko,
Makwiramiti, mahomu-homu
Vanopona nekuba
Vanamushamba negore
Makumbo mana muswe weshanu
Hekani Soko yangu yiyi
Vakaera mutupo umwe nashe
Vana Va Pfumojena
Vakabva Guruuswa
Soko Mbire ya Svosve
Vanobva Hwedza
Vapfuri vemhangura
Veku Matonjeni vanaisi vemvura
Zvaitwa matarira vari mumabwe
Mhanimani tonodya, svosve tichobovera
Maita zvenyu rudzi rukuru
Matangakugara
Vakawana ushe neuchenjeri
SOKO MUREHWA
Maita Soko,
Maita Murehwa,
Zvaitwa Matarira, Soko yangu yiyi.
Maita Marovahombe, mwana webveni,
Chirongo changu chichichi.
Zvaitwa Mukanya, zvaitwa tateguru,
Zvaitwa Wagutahuzamura.
Maita zvenyu vari Kakoromokwa,
VaGurusvusvu, vana vaGurumwandira.
Maita Varisinamhapa,
VaChitambaneruwere,
Vamahobi anenge rihwa.
Zvaitwa Mukuruvara,
Mushonga namawere.
Kuziva zvenyu Mvurume.
Maita mwana waPfumojena,
Muranga nepfumo.
Maita vaJ ena, Chirongo changu chichichi,
Vano kufamba kunenge kukavira nyimo,
Kutizira kuchinge kudyara nzungu,
Makudzagwara, vanorarama nezvokuba.
Maita vari Mandiya,
Vari Kaporomondo.
SOKO CHUMA
Evoi Chuma,
Soko yangu yiyi yaSamambita.
Maita Gototsa Mukanya,
Chuma chaMukaradzi china mahapa,
Chinoti kapa kapa.
Maita vari kuna Mhomhozi.
Maita vari kuna Mukaradzi naGwetera.
Kuziva zvenyu VaChigumbate,
Maita VaSamambita naMunyeche,
Zvaitwa mwana wachikudzunga naDerere,
Aiwa zvaoneka vana vaMadziva,
Zvaonekwa waDzeka naKabija.
SOKO KUMENE
Maita Soko,
Soko Makwiramiti.
Zvaitwa Kumene,
YokwaMasawi naNyamhuno,
VokwaMvurachena,
VokwaNhengoyepwa
Inogodoranwa vana vakadya.
Maita vokwaMadooehanga,
VokwaMutiwawa naChikanga.
Maita vokwaChinamavi,
Mahomuhomu, mufamba ndichitapudza,
Kuti nhumbu ipeveve,
Vakasvuuka magaro nokuda zvituru,
VaDeredzo, vari muMhedza,
Vane mhezi pamwoyo,
Kwamunodaniwa muchienda,
Nyika ndeyenyu Chiwere.
Aiwa zvaitwa Kumene,
Pasi ngapavate Matarira,
Mwana waMutinhima,
Zvaonekwa Dzivaremvura.
SOKO MOYONDIZVO
Maita Soko,
Mujena wangu yuyu,
Maita vaMoyo, Vhudzijena,
Vari muMhakwe, Mukonde wangu yuyu,
Tatenda vaganyamaropa,
Mwana webveni, Mberekamacheche.
Maita vari Mutemwa, vokuMakomo,
Zvaitwa veMadzimudzangara,
Maita zvenyu vari kuMayegoti,
VaMbire vaMuchinei,
Maita vaChimbuya,
Vana vaDendenyore,
Vakabva kwaNembire
Tinotenda Sikarudzi weGorekore.
Maita vari kuMatsvitsi,
Vagari vomuDendenyore,
Kuziva zvenyu vari kuMachiri,
Madevaneruwere, vazere Hwedza,
Mahomuhomu venhombatsva,
Mushonganematavi,
Utezutezu mumiti, uwakawaka muminda,
Vakatya kurima, vanodya zvokuba,
Vachipona nezvekutsvara.
Maita VaChibatebate, Matarira,
Soko Mukanya, vari muHwedza,
Nyahuye Mukonde, Chirngo changu chichi,
Vamapuna kumagaro,
Vanofamba notupuno notufuta
Twokupfonderesa zvinotorwa mumakura avaridzi,
Aiwa zvaonekwa,
VaMuombandaguta,
Vadyi vemhani.
SOKO NEHUMBA
Evoi Soko,
Nehumba,
Mwana waChigutiro,
Mukonde wangu yuyu,
Mushonga namawere,
Madyamhani angu yaya,
Vanayisi vemvura,
Vari kumakore,
Mugaradzakasungwa,
Matakurambuva,
Tupuno parutivi,
Tufuta twangu munyasi,
Tumhiripiri pakarepo,
Kamugoti kangu pakatire,
Pamusha ndopandarinda,
Maita VaChirongo,
Mufambandichigomera,
Aiwa zvaonekwa,
Soko yangu yiyi,
Vanorara parefu.
Samaita - Mbizi
TEMBO MAZVIMBAKUPA
Maita Mazvimbakupa,
TEMBO WAKAPIWA
Hekani Tembo,
VokwaChivara,
VokwaMudzinganisagumbo,
Vari Machecheche,
Machera,
Rukono rwaBenhura,
VokwaNemhapa,
Vari Zimbabwe,
VokwaTachiona,
Nyewe dzaZvezve,
Maita variMandedza,
VokwaKuringambizi huringa makumbo,
Kumusoro kunehwara,
Zvaitwa variMandedza,
Mwana waWachekwemwoyo,
Aiwa zvaonekwa vokwaZiki,
Vamambwa matema.
Chikonamombe - Mhara
MHARA MBUYA CHIKONAMOMBE
MBUYA CHIKONAMOMBE
Maita Mbuya,
Maita vari Gombwe,
Kuziva zvenyu vari Rare.
Hekani vaDzete vakabuda muRenje,
Vachiuyawo kuzotitsvagawo VaMaromo.
Zvaitwa vari Zvihota,
Vana vaMaromo,
Gusho rangu riri.
Maita zvenyu Mhara,
Chikonamombe,
Mashayamombe,
Manyuka angu yaya,
Makanyaya churu namate chikave murove.
Maita vari Gangarahwe Mukonde,
Kune Mhara inobhururuka,
Yakaera kutsika pasi kana yomhanya.
Kuziva zvenyu Mhara yangu yiyi,
Makanga musorwara mhezi
Makatozozadzwa mhezi navaranda,
Mazviita zvenyu vokwaSadzadete,
Gobvu rinokonza chitsa,
Dzangare,
Vauyauya vakabva Renje.
Maita vaMaromo, Chigumbu chino unye.
Chinotodenhwa huri usiku
Kuchidenha masikati chinovava.
Maita variZvihota, chikomo chakaumbwa nevhu,
Chisina kana nakatombo zvako pamusoro,
Chinowakwapo chisipiti chete kunge nhova yomucheche
Aiwa Zvaonekwa Gusho,
Zvaitwa Mbuya, Chikonamombe.
Makombe - Nguruve
Humba Nyanguru
Maita Chiunga,
Maita Humba,
Mwana waMakombe, Chomera,
Maita Nguruve, Mutakurwa.
Zvaitwa tateguru wangu Makombe,
Maita waDukudza, ari Jekacheka.
Maita Chirema,
Chirimanemuromo,
Mapadza aripo,
Asi muchiapa varanda.
Maita vari Barwe, Gwindingwi guru,
Vanodzira imba nematope,
Muno muromo unenge gombe rekucheresa mvura.
Zvaitwa Nyanguru,
Makapedza rudzi rwavamwe nenyuchi,
Maita vakarota,
Zvaonekwa Rima,
Tatenda vaChevakaranga naChibonoyo.
Zvaitwa waGosa,
Mwana waZunzangara.
Maita variKaromokapuwe.
Tinotenda variMatitima.
Kuna Nyadekese, kuna Zambezi.
Aiwa zvaitwa mwana waMatope.
Zvaonekwa Nyanguru.
Zvaonekwa Humba.
Nguruve, Chitambanamatope.
Beta - Ishwa
BETA/DHLIWAYO/ISHWA
Wabata,
Dhliwayo,
Rufura,
Mamberere,
Mauruka,
VaChimapwere,
VaMutiwakopa,
Mutukuti wedanda,
Majeketera,
Manjuru,
Mazivanguva,
Maita Matsindira,
Diutiu rangu riri,
Madzivire,
Musikana anenge ishwa,
Inodyiwa nemanhenga ose.
Maita Beta,
Maita ishwa yangu yiyi,
Dzikarinda hadzidyiwi,
Aiwa zvaonekwa Wabata.
Bhebhe
Bhebhe vokwaTumbare
Bhebhe,
Enzinda,
Tumbare wejira jena,
VaChulu chaNhave,
Vachisavase,
VaChigala nakabhanga,
VaChichengeta munongolo,
VaChilayilo chakanye ishomwe,
VaChifukijavakajidhema,
VaChilimamafunde manji,
Asaiva Tumbare,
Bwana bwomuRozvi bwaitsva muchoto.
Bonga - Chihwa
Maita BONGA CHIHWA
Maita Sigauke
Bonga Chihwa
Mwaita Mutambara
Mwaita WaGarwe
Mutupo wetakagurirana Matikaha ngekuone tsimba
Kuona mumhu tinodedera
Mwaita Bumhi Muera Imbwa
Wanodya ichifamba
Chadonha pasi hawadyi
Dehwe rehosi tusa vanthu
Karimera mutete
Zvaitwa Ngonyamu
Shumba
SHUMBA MHAZI
Maita Shumba,
Zvaitwa Mhazi,
Mhondi inopondera pasina gwenzi.
Hekani Mukanyairi,
Maita vakuru vamasango,
SHUMBA GURUNDORO
Shumba Gurundoro
Evoi Shumba,
Gurundoro,
Zvaitwa vaMbari,
Maita vaDupwa,
VaSamaringa,
Mhonderapachena
Yakapondera pasina gwenzi.
Zvaitwa Shumba yangu yiyi.
Maita Mhonda,
Maita vari Dziva raSekwa.
Kuziva zvenyu vechikomo cheHarare.
Waita mwana waMbari,
Mukonde wangu yuyu.
Maita zvenyu vaera shumba nembada,
Mbada inamavaramavara,
Isakananvza ichisiya rimwe vara rayo,
Haiti iri idema iri idzvuku.
Maita vomudziva ravaSekwa,
Maita vaDombwe.
Aiwa maita zvenyu mhuru yoMutoko.
Zvaitwa, zvaonekwa mwana waMbari,
Shumba yangu yiyi,
Gurundoro.
SHUMBA NYAMUZIHWA
Maita Nyamuzihwa,
Shumba, Hara,
Maita Muchori.
Maita Nyamuzihwa,
SHUMBA MURAMBWI
Maita Murambwi,
Maita Shumba,
Matikaha,
Kuona chiso.
Mwaita Chiwara,
Njuma yerenje,
Mashongera.
Hekani vene VeChirovarova,
Vakabva Marenje.
Mwaita Tembo Shumba,
Magunde avasikana,
Totenda vaChifambausiku,
Tendai
Muzungu, Mutakurwa,
Mushambadzi wamachira,
SHUMBA SIPAMBI
Mazviita Shumba,
Maita Sipambi,
Yakapamba nedzevamwe,
Vadyi vefazhakamwe
Inodyarwa ikamera.
Maita matikaha nokuona tsimba,
Kuona munhu vana vanotya,
Mukakatirakwasviba,
Kumuka ndodzvova, kutsika zvovava,
Mutakuranhawo kuno munhuhwi,
Sipambi, mwana wechikara,
Chokanyaira chobva Magare,
Choinda Imbwarume chisina uta.
Zvaitwa varidinhire Chigarachibwe,
Vari Magare VaMupfurawatya.
Mazviita Mugonderwa,
VokwaMusakadongo, veShanje
Vari Madzimudzangara,
Vari Sikanadema,
Zvaitwa vaTakaindisa naMuzuva,
Vari Chaenda vari Ruvhure.
Waita Charumbira Zvigonyati zvangu zvizvi,
Haiwa zvaitwa vaNhinhi,
Vari Nhinhihuru
Maita saminzwa,
Zvaonekwa vari Nyanda.
Nzou
NZOU SAMANYANGA
Ewo Nzou,
Maita Samnyanga,
Maita Bondorouswa,
Maita vari Mapanda,
Zvaonekwa varidzi vamasango,
Tatenda Nzou, Marigazvuru,
Hekani Matyoramiti,
Ewo ganda, ewo Muvi,
Maita murarandimire,
Murewo wakapaikwa pamhangwa yomuti,
Zvaitwa chirandu,
MBANO MATEMAVI
Evo Nzou, Makunda,
NHARI UNENDORO
Mazviita Nhari,
Unendoro,
Zvaitwa Maokomavi,
VaZungu veDande
Vari mumatanga,
Vakabva Mazumba
Mbira dzichirira mudziva.
Maita Nhuka,
Mombe isina muusi,
Muusi ndini.
Kuziva zvenyu vaNyamombe,
Nhuka Musikiti,
VokwaMugarahukombwa,
Vane mhuka isingaoneki,
VokwaChotakurwa,
Vana meso anenge embiti,
VokwaMuchemwanoshiri,
Vanokufamba kunenge kukavira nyimo,
VokwaJekamvura.
Maita Nyamasvisva,
Vanofamba namago panyanga,
VokwaMhepoinorigazvuru,
Ichisiya hunde dzemiti muTsunga.
Maita vaChihoro Makorekore,
Mwana waBiri naGanyire,
Anokura asingazivi murimo.
Aiwa zvaonekwa Nhari yangu yiyi,
Zvaitwa unendoro,
Maita muTsunga weDande.
Svova - Nyoka
SHATO MHETA
Shato,
Mheta,
Maita Saunyama
Maita Mheta,
Svova nepasi,
Svongongorongo,
Maita mafamba nedumbu,
Chikata.
Chirombowe - Nyati
NYATI
Maita Nyati,
Maita Zvigarambabvu,
Hekani Nyati yangu yiyi,
Zvaitwa shinga, Mwana waMuswere.
Tatenda vari Museso navari Minanga,
Vagari veMhinha, Shonga yangu yiyi,
Vanoramba kudya nyama yomusana,
Muchida yechityu.
Maita Nyati, maita Shonga,
Hekani Makoni wangu mazamu eNyati,
Vanotukwa nedengu romupunga,
Rorukweza riri munyasi.
Kuziva zvenyu Nyati yangu yiyi,
Vachibaya mombe,
Kudya mbudzi urombo.
Zvaitwa vari Masendeke,
Vasingaiswi vhu munzeve,
VokwaChireranherera,
Vari muHomwe,
MuUngwe waDerere asingadyi derere,
Kuteketera kuteketerwa nedengu romupunga,
Rorukweza ngeremhamba,
Vanhu vasingaiti mhezi,
Dziva
SHAYAMOMBE DZIVA
Shayamombe,
Zimuto – Nungu
NGARA WAMAMBO
Wamambo,
Maita Nungu yangu yiyi,
Maita Chipiri mukuwasha waMambo.
Hekani Maposa,
Chirashamihwa,
Masvingo aGovere.
Maita Chikandamina,
Weshanu uri pauta.
Maita vari Chirungurira,
Manjekechera, vari Gokomere,
Chizuza changu chichi.
Maita Nungu, Hananda, Zimbovora.
Mazviita vaRusvingo naMazambara,
Vakafura dombo nomuseve rikabuda ropa,
VaMupumbuvoko pachirimo,
Rave zhizha vofura shangwa,
Vakadzidzisa vanhu kutunge timbwa.
Vokutora mapadza avanhu,
Vachindoise mugomo,
Vachibata wanike yangova mihwa yoga,
Nungu yangu yiyi,
Mushayachirashwa,
Minungu ndeyengara,
Nyama usavi hwavamwe,
dehwe richiseveswazve.
Maita vari Govere, Masvingo angu,
Zimwaya, Zimuto wangu yuyu.
HLATYWAYO NUNGU
Tiyashire Nungu,
Matikiti,
Chikandamuseye,
Mwashuma Dekete,
Tinobonga Mafuyateya,
Ndizvo zvinoita kuti tifire pano,
Takauya kuzokonza babayo,
Mwaita Gondemukande,
Mwaona kuti vantu vakatetepa,
Mwashuma Maposa,
Mutupo usikaambirwi,
Mwaita vari Serere Burauta,
Mwashuma Gandirwana,
Mwashuma vari Dimire,
Musatifura baba woye,
Rambai muchitipazve,
Tikafira pano ngenyi.
Hwesa - Musoni
MUSONI SHINDA
Maita mbeva,
Musoni,
Warukore,
Munhuwakure,
Zungunde,
Mutswandiani,
Akagara ngozi,
VaRemba,
Vauyi,
Nyamunaka,
VaMwenye,
Vasingasone neshinda nhema,
Vaerambeva,
Vakashoshonora shono mumwena,
Aiwa zvaitwa Musoni.
Mhlanga - Dhuve
MHLANGA
Aya Dhuve,
Tinotenda Mapanda,
Tiashire Muriwo,
Tinogarira imwi babayo,
Mwana wangu wokubereka,
ABhasera, Amapfupfu, Chivara,
Ndichjo chamwakafira,
Dhuve rangu riri,
Iro zuva rakangoti jene'ene,
Takangogarira njira,
Miromo yaoma nenjara,
Iyo mhamba nechikari babayo.
Zvakangooma zviri pachitaya.
Aiwa zvaitwa vari Mupamba neZomba.
Tinotenda dhuve.
Mwaita vari Chirinda,
Dhuve rinotsika mapuwe eipfuta mwoto,
Aiwa zvaitwa babayo.
Gumbo - Madyirapazhe
GUMBO MADYIRAPAZHE
Mazvita Gumbo
GUMBO MADYIRAPANZE
Mazviita Gumbo,
Maita zvenyu Madyirapanze,
Vaidyira panze nokutya Vaera Shiri,
Hekanhi Chidonhamuto,
Chidonhamukaka mhuru inobva muGona,
Chifukamakono hadzi dzakatseketera,
Shava huru yakapamba Gona,
Gara ramasango, chipauro chamafuta,
Godzamuto mhuru inobva Gona,
VoRufura,
Venzeve tsvuku,
Mushukuro weGona,
Vanechitanga chisizari n'ombe,
Chinotozara musi wezvita,
Maita vari Masakadza,
Maita vari Njaidza,
Navari Mhiri kwaNyazvidzi,
Maita vari Hwiru,
Tatenda vari Chikwidzire chamabwe machena,
Chakada mutema muzvare Mataruse,
Hekanhi vari Raubwi,
Vari muhari huru,
Vari chikomo chaMabwazhe,
Mhare yokurwa yaiganza kunge handira,
Zvaitwa Chisema, Sambiri,
Chikara wapanze,
Chifamba namana,
Chifuramakuru, mazondo tinodya,
Maita vari Svikire,
Vari Maturi, vari chivende,
Vari Hubvumwe, Chiputsamakuru; Godzamuto,
Vari Hwiru yaMazonde vokuda nyama,
Vanoera gumbo remombe asi mutumbi wayo vachidya,
Shava yangu yiyi, Chitanga, Chikanyamatope,
Maita vari Mapfukudza kunodyiwa boora nechirimo,
Naka muchadya makunguwo huku dzarova,
Hekanhi Madyirapanze, Ganyamatope,
Kuti vane nzara vaponewo,
Hekanhi Musipa,
Marera Nherera, Matsikapasikuzororahuvata,
Hekanhi Gutu, Hekanhi weGona, ndisengei,
Senga nhundwa, senga musoro pane romo neziso,
Hekanhi Mhandamakan'a, Matakuradumbu,
Matangakunwa muviri une nyota,
Vatambi vemuGanyiro,
Matsika pachena napanerima,
Hekanhi Masangedzwa,
Bvumazvirema,
Teveratsimba mutsvairo wenzira,
Hekanhi Murendo, Mushaya chirashwa,
Mafuta tinozora,
Runyanga igonamombe,
Gumbo mubhadha, dovo tinowadza,
Nyama tinodya, mukaka tinomwa,
Muswe inhawo, ndove indozura mumba,
Zvaitwa Chitova, mushukuro wegonamombe,
Aiwa zvaitwa Gumbo,
Chinemukutu, maKorekore
NHEWA SIMBOTI
Mwaita Nhewa,
Ingwe ina mavara,
Mwazviita Simboti,
Chiruka, Nyakuzvibatira,
Chikatsa, VaMuteyi,
Mwaita wari Kutsoka.
Chirukamachira, wari Mhembere.
Mwazviita wari Mundimu,
Wanoirima Nhewa,
Mhondi inopondera pachena
Pasina kana negwenzi.
Mwaita wari kuChai,
Sanyanga, Buka iwe.
Waita mwana waNyamaruodzo,
Akapinda mubuwe nembwa dzake,
Mwaita henyu wari kuUkuhu,
Muchera,
Chirebvu.
Mupamomombe - Ngezi
MUTONGA
Maita Mutonga,
Mukoka,
Ngezi,
Maita vari Chivare,
VokwaDumbura,
Vakatumbura mombe nechara,
Chipanga chichisvina ura,
Chatadza kutumbura mombe,
Zvaitwa Mutonga,
Maita variChingondo,
VapaChizarira,
Siyakavhezha,
Varidzi vamasango,
Zvaitwa Ngezi,
Vasireveteki,
Vanotoreveteka kana vasorwa,
Zvaitwa Mupamombe,
Aiwa Mupawose.
Mukuruvambwa – Gwai
GWAI GUMBI
Maita Gwai,
Maita Mukuruvambwa,
Zvaitwa Moyo ndizvo,
Vane chuma chisingaverengwi
Vakatorerwa umambo naMabvakure,
Maita hwai yangu iyi,
Ikachema kunofa dangwe,
Ukaidya unopera mazino,
Maita vana vaMbarure,
Maita vana vaChigondo,
Zvaitwa mhuri yaNyamhunga,
Zvaitwa mhuri yaGora,
Maita zvenyu vari Goromonzi,
Vari Mharamasimbe,
Kuziva zvenyu vari Manyewe,
Vari Baramhanya,
Tatenda vari Mburwi,
Zvaitwa Chuma,
Zvaitwa Gono,
Zvaitwa Gumbi,
Zvaitwa Gwai,
Maita vari Mhondoro,
Maita Sembe,
Chuma-Chitunge,
Tinotenda vari kwaMashayamombe,
Tinotenda Chinhove changu chichi,
Zvaonekwa vari Doworo,
Maita mwana waGora,
Zvaonekwa Gwai rangu iri,
Zvaonekwa Mukuruvambwa.
Debwe tinowarira Nyanga
igonamombe
Ndove tinodzurura mumba
Muswe udenhawo
Haiwa, tatenda
Varidzi venyika
Zvaitwa, Sahayi
Muzinda wapasi
Changamire