92% found this document useful (143 votes)
172K views

Mitupo Yose

This collection of poems in the Shona language explores themes of life, nature, family and community. Short phrases and words are repeated throughout, with references to people, places, animals and activities.

Uploaded by

gizzar
Copyright
© © All Rights Reserved
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
92% found this document useful (143 votes)
172K views

Mitupo Yose

This collection of poems in the Shona language explores themes of life, nature, family and community. Short phrases and words are repeated throughout, with references to people, places, animals and activities.

Uploaded by

gizzar
Copyright
© © All Rights Reserved
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
You are on page 1/ 39

MITUPO

Moyo
MOYO MOYONDIZVO
Hekani Sahayi
Dhewa
Moyondizvo
Vakami vomukaka
Bvumavaranda
vakadzi vaChiza vomene
Dzimbahwe rerupwetepwete
Vari urozvi Nhandare
Sahayi mhondoro
Jengetanyika
Mwene wavanhu
VaChuru chamapfunde manji
VaChirisamhuru
Muzinda wen’ombe
Gorokotera
chiri mudanga
ndambachirashwa
VokwaChuma chamambo
chamachira chinosakara
Mupfudze waNyan’ombe
Chiwanzamukaka
Chipuriro chamafuta
Vachisiyandanyara
Vari Manyanga

Vane mudzi unobva mabvazuva, uchinobaya Rupango


Vakapera nhenda muDzimbahwe
Vachaona mudongo
vagadzi voushe
Muti unokope chirimo
zhizha uchikozhendove
Mururamanhanga
Vesviromo svitokotoko
svine nzungu inosvitsa dakataka
Dzimbahwe
Vorupazho rupwetepwete
runonama imba
Vamatakaringa hwirika
zvirume zvichiringa pasi
Dyembeu, kurima kwakona
Mutengeni wazvozvovenga
Mambo usitandavare
Kutandavara, mvura inova mubvumbi
Vazvikwechekweche
zvinonongwa nevavindukira

Asina kuvindukira anowana zvapera


zvaenda nemwando
Hekani, Nhandare
Mupfudze uri mudanga
VokwaBhasvi
VaNyoka haisvosvwi
Kuisvosva, inoruma munhu

Vedombo rakakona chimwango nemarangadya


Vamatururamvura
Ziendavachisiya
Nyamutorazvose
Nyama tinodya
Mafuta tinozora
Mukaka tinonwa
nokusevesa sadza

MOYO CHIRANDU

Mazviita Moyo,
Maita Chirandu,
Gonoren'ombe,
Mushayachirashwa,
Mukaka tinomwa,
Mafuta tichizora,
Nyama tinodya,
Ganda tichikakise ngoma,
Ndove tinodzurisa mudzimba,
Muswe tinopumhisa,
Nyanga tichiita gonan'ombe.
Maita Chirandu,
Maita Moyo,
Maita Sahi,
Maita dhewa rangu.
Maita Bvumavaranda,
Gono raMutindi naGochedza,
Vari Maronga.
Maita vana vaPfupajena,
Vari muDuma neChidumana.
Maita vari Dikitiki,
Vari Ushava,

Mushenjere wavaDuma usina pakaminama,


Pakaminama tinoorora.
Mhuri inobva Mandara,
VaMareranherera vanorera nedzavamwe,
Ndikafira pano wani,
Kudai kuenda ndichidzoka zvinoita huyo,
Chinondiona sechina meso,
Navaripowo namangwana musanyara.

MOYO SINYORO
Maita Sinyoro,
Zvaitwa Muroro,
Vagari vamachira,
VaZungu vamachira machena,
Vakauya nomumvura
Kuzoshambadza ndoro nendarira.
Kuziva zvenyu vashambadzi,
Maita vezviuya zvinenge mukaka,
Unodyiwa navasina meno,
Tatenda vadyi vamazai,
Vamupfuramagidi,
Nguo takasuka kare,

Vaeni vakauya vakatakura umambo,


Vanodya maroro vakatambarara,
Vadyi vendatsva namashongadede,
Vabvakure,
VaChitsvachirimurutsoka,
VaUsuunjenjema,
Vagere Zvinjanja,
Vene vepasi,
Vanofamba vari padara,
Vazukuru veshiri,
Ziendanomudenga,
Vane hama dzakaperera Chirozva.
Mazviita vaSena, maita Moyo,
Mutupo mukuru waierwa Dzimbahwe,
Nyama inyoro mutupo usina mupatsa,
VaChumachitete, chikobvu chinobanduka,
Aiwa zvaitwa muNjanja wakaroka.

MOYO NEMATOMBO
Maita Moyo,
Maita Nematombo,

Bvumavaranda vakadzi vachiza voga,


Kuziva zvenyu variUzozvi Nhandare,
Vomuti unokope chirimo,
Kukope zhizha unoshura ndove,
Zvaitwa mwana waMugumu,
Maita Dzimbabwe,
VaMarumbidza,
Vakarumbidza mhuri nedzisi dzavo,
Vano muti unobva Njaira,
Ukarinze matehwe achaona.
Tatenda Maseka,
Moyo yangu yiyi.
Maita vemhaswa,
Vana meso ari patiku,
Vanyokahaisvosvi,
Ukaisvosva yakuruma,
Vorupazho rutetetete
Rukobvu runoparura nguo,
Maita mwana waGumboremvura,
Mambo usitandavare,
Kutandavara kunova nomubvumbi.
Maita Shai, maita Chirandu.
Tatenda muGomo wangu yuyu,
Aiwa zvaonekwa Moyo,
Nematombo.

MOYO WAKAPIWA
Moyo Wakapiwa

Maita Wakapiwa,
Maita veGuruuswa, Chirandu,

Hekani Moyo yangu yiyi,

Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi,

Vari Tanganyika, Mutakurwa,


Bvumavaranda, vauya veMhani,
Hekani Moyo, wakapiwa,
Mwana waMukwengapasi naMunyepi,
Vaera Moyo, vanosweroteverwa navakadzi,
Moyo Wakapiwa pasi rose.
Maita vari Zangaome, vari Mahumwi,
Hekani Mbuya, Ziriwosehwa.
Maita vari Garara, Matandare.
Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa.
Hekani Moyo, vari Mahusekwa.
Maita vari Chikwizu neChikura,
Zvaonekwa vari Jeranondo,
Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega,
Gwezvavanhu vari kuna Mucheranegombe.
Maita vari Wona, totenda vari Dikitira,
Mwana waZiriwosehwa, hekani Nhandare.
Maita vari uRozvi, vakabva Guruuswa,
VaMunayisivemvura,
Vanotocherwa pasi kuti uvawane.
MOYO MUKUMBUZI

Moyo Mukumbuzi
Hekani Mukumbudzi,

Vaera Moyo,

Vari Zvihota,
Vanoswera kuteverwa nevakadzi
Hekani Mukumbudzi,
Madevanoruwere
Maita Mukumbudzi,
Maita veGuruuswa, Chirandu,
Hekani Moyo yangu iyi,
Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi,
Vari Tanganyika,
Mutakurwa,
Bvumavaranda,
Vauya veMhani,
Mwana waMukwengapasi naMunyepi,
Moyo Mukumbudzi pasi rose.
Maita vari Zangaome, vari Mahumwi,
Hekani Mbuya, Ziriwosehwa.
Maita vari Garara, Matandare.
Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa.
Hekani Moyo, vari Mahusekwa.
Maita vari Chikwizu neChikura,
Zvaonekwa vari Jeranondo,
Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega,
Gwezvavanhu vari kuna Mucheranegombe.
Maita vari Wona, totenda vari Dikitira,
Mwana waZiriwosehwa, hekani Nhandare.
Maita vari uRozvi, vakabva Guruuswa,
MOYO AKATAKWA
Moyo Akatakwa

Maita Moyo,
Akatakwa,
Chirandu chamambo,
Mwana waKuredzamuswe,
Mawire,
Dunzvi renhika,
Chiri mugore,
Chikwariwa chakabeta mwanzva wenyoka.
Maita Sahayi,
Mhumba yangu yiyi Nhandare,
Dooremhuka,
Dunzvi renhika,
Aiwa zvaitwa Mugoverwa

MOYO MUGONDERWA
Moyo Mugonderwa

Maita Moyo Mugonderwa,


Zvaitwa Varasa,
Muteve wangu yuyu,
Maita Moyo,
Chagonda, Nyamayavo,
Mauya ngei Mushayachirashwa?
Mukaka tinomwa,
Mafuta tichizora.
Maita Mugondi,

N'ombe huru,

Kuziva zvenyu Gonoren'ombe,

Aiwa zvaonekwa Moyo,

Nyamayavo.
MOYO MUSHORIWA
Moyo Mushoriwa

Ewoi Moyo, Mushoriwa,


Gono remombe,
Chiera Moyo,
Nyama yose tichidya,
Maita VaRisingagohwe,
Warida ndiye waribika,
Zvaitwa Mushoriwa,
Mhumba yomwoyo,
Isina asinayo,
Maita vari chikomo chemabwe machena,
Chidonhamukaka,
Vari Njaira,
Kumuti unokope chirimo,

Kukope zhizha unokonze ndove,

Hekani Chidonhamuto,

Vanonwa mvura yemugonera,

Inonaya chirimo,
Isingatinhire,
Kuziva zvenyu vari Mabvazuva,

Maita vari Urambe Guvira,


Chikomo chisingamere uswa nemiti,
Aiwa zvaitwa Moyo,
Mushoriwa.

MOYO MUTURIKWA
Moyo Muturikwa
Maita Moyo,
Muturikwa.
Maita Nhumba,
Chirandu changu chichi.
Zvaitwa vari Nhandare,
Maita vaReve,
Tatenda vamazhumu,
MuGutsa wangu yuyu,
Vamabwe machena,
Vachipwanyamateteni.
Maita vari muna Shavanhohwe,
Moyo yangu yiyi
Maita zvenyu,

Moyo Mugona kuronga nhau

Zano renzombe

Aiwa zvaitwa Muturikwa.

MOYO SHAYAMOMBE
Moyo Shayamombe

Evoi Moyo,
Shayamombe,
Maita vari Manhize,
Kuziva zvenyu vokwaMudimuranwa,
Maita veChigara.
Maita vari Chikapakapa.
Maita vari Chikomba.
Zvaitwa vari Man'ozhwe
Vakaumba churu nemate.
Maita Moyo yangu yiyi,
Zvaoneka Shayamombe,
Aiwa zvaitwa mwana waMurambwa.

MOYO SITHOLE
Moyo Sithole

Ewoni Sithole, Moyo,


Mombe, Wasanga,
Ganyamatope,
Mutupo watakaera tese,
Mwaita Mombe,
Mushayachiraswa,
Mutupo uri mudanga,
Tinobonga Chirandu,
Dzemudza wangu.
Mwaita wari kuna Hamudiyamwe,
Ngaone,
Tabonga vari Madzadza.
Zvigare zvakadaro,
Mhera narini,
Ngavatungamirwe
Kuti ndaramo yavo irebe,
Ndabonga nyamho.

MOYO WADYEGORA
Moyo Wadyegora

Maita Wadyegora,
Evo, Moyo, mwana waRusike,

Maita vari Dombotombo.


Kuzibva zvenyu vari Mazave,
Maita zvenyu vari Mandoga,
Kurere N'andu naNherera.
Maita varere Mahwemachena,
VokwaMuzarabani, vari Shangura,
Vari Chikombore, vari Dudzu,
Wadyegora wadye mangava,
Hwedza rinokudyawo,
Maita Chirandu,
Mukonde wangu yuyu,
Zvaitwa vaHombarume variNhumbe.
Aiwa zvaonekwa Moyo,
Wadyegora,
VokwaRusike,
Varere kuMatumbaarira neBinda,
Aiwa tatenda vana vaMuzarabani.
Shava - Mhofu
SHAVA MUSEYAMWA

Shava Museyamwa

Maita Shava,
Mhofu yomukono, Ziwewera,

VokwaMutekedza,

Vakatekedzana paJanga,
Vakapihwa vakadzi munyika yavaNjanja.
Maita nhuka,
Shava yangu yiyi,
Hekani Mutekedza,
Vari uHera Mukonde,
Zvaitwa Mhukahuru,
Vemiswe inochenga miviri,
Zienda netyaka,
Mutunhu une mago,
Vanovangira vashura vhu,
Kutsivira mutumbi,
Chidavarume, vanovhimwa navanonyanga,
Vakakamonera vakadzi dzenhema,
Vanomonera vakadzi dzamangondi,
Vanochemera wavatanga,
Vanemisodzi isodonha pasi,
Kuti yadonha yoda nhevedzo yaro romunhu ropa.
Tinotenda vari Matenhere,
Vari pazvikomo zveMbwenya.
Maita veTsambo chena,
Mhofu yomukono,
Kuyambuka rwizi mvura yakwira makomo.
Totenda voMuchimbare,
VeGuruuswa,
Vanenzanga chena kunge mwedzi wejenachena,
Maita Museyamwa,
Nhuka yangu yiyi.Kuziva zvenyu vaShava Mukonde
Vari Gombe
Zvaonekwa vahombarume
Zvaitwa Mbiru
Aiwa zvaonekwa Sarirambi
Zvaitwa Nyashanu.

SHAVA MUTENHESANWA
Shava Mutenhesanwa

Maita Mutenhesanwa,
Shava yangu yiyi,
Zvaitwa mwana waChiweshe,
Mugova wakarasika,
Mutsika pane mbiri,
Mhandamakan'a,
Marambakukundwa,
VokwaMutovamombe,
Makatova mombe neshamhu ikamuka.
Hekani Masvinga,
Dzvangaranga,
Venzanga chena,
VaChimbare,
Chidavarume.
Maita Nhuka,
Mhukahuru,
Maita VaShava,
VeGumbakumba,
Vepfupa gobvu.
Maita Shava,

Mukonde wangu yuyu,

Mwana waMbiru wakabva Rwira,

Maita vokwaSadzadete,
Gobvu rinodzipa mwana.
Aiwa zvaonekwa Nechombo
Mwana waChiweshe.

SHAVA MWENDAMBERI
Shava Mwendamberi

Maita Shava, Mwendamberi.


Maita vokwaGwenzi rakaviga mambo,

VeChitemberere.
Maita Mvurayadzongwa
Matangakunwa Shava yangu yiyi,
Vari shure vanomwa mabvongwe,
Varimberi vachinwa tsvene,
Nyahunzvi,
Shava yangu yiyi,
Zvaitwa vari Tsonzo,
Vana vaChikono chengwe VokwaZongororo kunava,
Ariona ati rakafa,
Zvaitwa veChitemberere,
Vaera mhofu,
VokwaMazurukuwanda, kurimugukwa,
Maita VaKarimudunhu uchizvinwzira.
Zvaitwa VaShava vana vaChivero,
Aiwa zvaonekwa Mendamberi.

SHAVA NYAKUDIRWA
Shava Nyakudirwa

Maita Masvinga,
Hekani Muchamaya,
Zvaitwa mwana waKache
Tinoenda Mhukahuru,
Maita vari Shangure,
Kuziva zvenyu vari Chikwidibire.
Maita matateguru,
Vari Chamukwenjera.
Zvaitwa vari Maware,
Hekani Gurudza,
Vokwa Tungebwe, vokwaMuchenje.
Hekani Bonda,
Mhofu yangu yiyi,
Zvaonekwa mwana waMusanyange.
Maita Makanganya, Maguhwu.
Tinotenda mwana waMukunyadzi naNyanzira,
Varandutsira vamwe pfumo rauya
Richibva kune imwe nyika,
Aiwa zvaitwa Nhuka.

SHAVA VHURAMAVI
Shava Vhuramavi

Zuruvi,
Vhuramavi,
VaSeke Mukonde,
VaVhanganyama,
Vakavhanga nyama nohwahwa.
Maita VaSeke,
Chikove,
Chidziva china masahwa,

Maita waZengeza,

Vokwa Sadzadete,

Gobvu rinokonza chitsi.

Zvaitwa Chinerembe,
Evo Masvinga,
Ziwewera,
VokwaMuchenje, vokwaMunakirapasi,
Maita zvenyu Zuruvi.
Kuziva zvenyu vari Nharira,
Tinotenda vari Zvipindu,
VaHara vokwaSeke,
Vari Rare,
Aiwa zvaitwa Vhuramavi.

SHAVA MUFAKOSE
Shava Mufakose

Maita Shava,
Maita Mufakose,

VokwaNyamhangambiri.

Maita Chidavarume,
Vanotokundwa pakusakura,
Pavakadzi pasina anovakunda.
Maita mwana waHwata,
Mukonde wangu yuyu.
Maita veGomba vakabva kwaNyashanu,
Mwana waShirichirima,
Ano mutsa nengoni,
Akaitira ngoni vakanga vatandwa,

Akavadzorera muShavarunzwe,

Maita vokwaSadzadete,
Gobvu rinokonza chitsi.
Maita Gurudza vokwatsangadzi Isakacherwa ikapera,
Maita Nhuka yangu yiyi,
Matuka, mhofu yomukono.
Kudya mhofu kudya munyepfu,
Kudya bvupa meno omokotoka.
Aiwa zvaonekwa Shava yangu yiyi,
Tatenda mwana waHwata.

SHAVA MHIZHA
Shava Mhizha

Maita Mhizha,
Zvaitwa Nhuka.
Maita Mukonde wangu yuyu,
Vamangurirambezhu vava,
Vasingabati mbezhu neshangwa.
Maita Mhizha yangu yiyi,
Mupaya, waMabweadziva,
Vakadzivira Dzimbabwe kwaMwari.
Maita vari Bvumbura,
Aiwa zvaonekwa Shava yangu yiyi.

SHAVA MAZARURA
Shava Mazarura

Maita Shava,
Mazarura,
Mwana waRwizi Mukonde,
VeMadzure,
Muti mutema Chitungwiza,
Maita Mazarura,
Mukombe wendye,
Vokwanyangenyange,
Vakanyanga churu namate,
VokwaMuchenje wachuru,
Vari Madzure mukonde,
Aiwa zvaitwa Mazarura,
Mwana waRwizi.
Matapatira - Hungwe
Shiri Maokomavi

Mazviita Shiri,
Hungwe,
Matapira,
Ziendanomudenga,
Pasi yakatya ndove,
Mudyanavana,
Kunyima vana zvinoshura,
Vakadzi kuvarume vavo,
Vaira shiri nebanga hazvionani,
Zvombo zveshumba,
Muranda wavanhukadzi.
Zvaitwa Hungwe yangu yiyi,
Shiri isina shura nomunhu,
Haiwa, maita Shiri,
Mwana waChasura.
Maita zvenyu vaChifambanokudenga,
Zvaitwa vaira Shiri,
Shiri chena, tarirai kwadzinobva,
Gonerakudera, vaMurefu,
Mapatapasi,
VokwaChinobhururuka,
Muira shiri wangu yuyu,
Shiri iri Hungwe.
Aiwa zvaonekwa maokomavi.

ZENDA SIMBIRORI

Maita Zenda,
Maita Simbirori,
Hungwe,
Muchererakure.
Zvaonekwa Kakomarara.
Maita mwana waBuru,
Maita basa Mamburuka.
Hororo yangu yiyi,
Mushayahanyn'a,
Matapatira,
Vatsori venyika,
VanaMurambatsvina,
VaSupai, vanofamba nomudenga.
Kuziva zvenyu vokwaChipadze,
Varere Chipinduramhuka,
Gomo ravo,
Aiwa zvaitwa Zenda,
Simbirori.
Soko
SOKO VHUDZIJENA

Eee, maita Shoko Vhudzijena

Ewoi Soko,

Makwiramiti, mahomu-homu
Vanopona nekuba
Vanamushamba negore
Makumbo mana muswe weshanu
Hekani Soko yangu yiyi
Vakaera mutupo umwe nashe
Vana Va Pfumojena
Vakabva Guruuswa
Soko Mbire ya Svosve
Vanobva Hwedza
Vapfuri vemhangura
Veku Matonjeni vanaisi vemvura
Zvaitwa matarira vari mumabwe
Mhanimani tonodya, svosve tichobovera
Maita zvenyu rudzi rukuru
Matangakugara
Vakawana ushe neuchenjeri

Vakufamba hujeukidza kwandabva

Pagerwe rinongova jemedzanwa

Kugara hukwenya- kwenya

Vari mawere maramba kurimba

Vamazvikongonyadza kufamba hukanya

Zvibwezvitedza, zvinotedzera vari kure

Asi vari padyo vachitamba nazvo

Zvaitwa mukanya rudzi rusina chiramwa

Maita vari Makoromokwa, Mugarandaguta

Aiwa zvaonekwa Vhudzijena

SOKO MUREHWA
Maita Soko,
Maita Murehwa,
Zvaitwa Matarira, Soko yangu yiyi.
Maita Marovahombe, mwana webveni,
Chirongo changu chichichi.
Zvaitwa Mukanya, zvaitwa tateguru,
Zvaitwa Wagutahuzamura.
Maita zvenyu vari Kakoromokwa,
VaGurusvusvu, vana vaGurumwandira.
Maita Varisinamhapa,
VaChitambaneruwere,
Vamahobi anenge rihwa.
Zvaitwa Mukuruvara,
Mushonga namawere.
Kuziva zvenyu Mvurume.
Maita mwana waPfumojena,
Muranga nepfumo.
Maita vaJ ena, Chirongo changu chichichi,
Vano kufamba kunenge kukavira nyimo,
Kutizira kuchinge kudyara nzungu,
Makudzagwara, vanorarama nezvokuba.
Maita vari Mandiya,
Vari Kaporomondo.

Zvaitwa mwana webveni, Makumbe,


Vakakumba zvese netsombori,
Mukati pahwenya napahwohwa namatunduru,
Matamba nehute zvose,
Vana vaNzvere naKanorimona, mhanza ichipenyn'a
Semheni yemvura yemunhurukwa.
Maita zvenyu vaChibatebate,

Pambambarize maiti mobviswa maiti ndofira pano.


Pamasvosve maitakura chara negumbo vaHuye Mukonde.
Mava pashongwe mokarara mukono waTingini
Wakabva Mahumwi kwakarera mukanwa nomunyu.
Maita mwana waChinamhora,
Vanebvudzi risingapumhwi,
Vana vaMushambanezhizha.

Zvaitwa mwana waTingini, ari Mahumwi,


Anokwira rupara nemeno,
Tatenda Chirngo changu chichi,
Aiwa zvaonekwa Mugagami.

SOKO CHUMA

Evoi Chuma,
Soko yangu yiyi yaSamambita.
Maita Gototsa Mukanya,
Chuma chaMukaradzi china mahapa,
Chinoti kapa kapa.
Maita vari kuna Mhomhozi.
Maita vari kuna Mukaradzi naGwetera.
Kuziva zvenyu VaChigumbate,
Maita VaSamambita naMunyeche,
Zvaitwa mwana wachikudzunga naDerere,
Aiwa zvaoneka vana vaMadziva,
Zvaonekwa waDzeka naKabija.

SOKO KUMENE

Maita Soko,
Soko Makwiramiti.
Zvaitwa Kumene,
YokwaMasawi naNyamhuno,
VokwaMvurachena,
VokwaNhengoyepwa
Inogodoranwa vana vakadya.
Maita vokwaMadooehanga,
VokwaMutiwawa naChikanga.
Maita vokwaChinamavi,
Mahomuhomu, mufamba ndichitapudza,
Kuti nhumbu ipeveve,
Vakasvuuka magaro nokuda zvituru,
VaDeredzo, vari muMhedza,
Vane mhezi pamwoyo,
Kwamunodaniwa muchienda,
Nyika ndeyenyu Chiwere.
Aiwa zvaitwa Kumene,
Pasi ngapavate Matarira,
Mwana waMutinhima,
Zvaonekwa Dzivaremvura.

SOKO MOYONDIZVO

Maita Soko,
Mujena wangu yuyu,
Maita vaMoyo, Vhudzijena,
Vari muMhakwe, Mukonde wangu yuyu,
Tatenda vaganyamaropa,
Mwana webveni, Mberekamacheche.
Maita vari Mutemwa, vokuMakomo,
Zvaitwa veMadzimudzangara,
Maita zvenyu vari kuMayegoti,
VaMbire vaMuchinei,
Maita vaChimbuya,
Vana vaDendenyore,
Vakabva kwaNembire
Tinotenda Sikarudzi weGorekore.
Maita vari kuMatsvitsi,
Vagari vomuDendenyore,
Kuziva zvenyu vari kuMachiri,
Madevaneruwere, vazere Hwedza,
Mahomuhomu venhombatsva,
Mushonganematavi,
Utezutezu mumiti, uwakawaka muminda,
Vakatya kurima, vanodya zvokuba,
Vachipona nezvekutsvara.
Maita VaChibatebate, Matarira,
Soko Mukanya, vari muHwedza,
Nyahuye Mukonde, Chirngo changu chichi,
Vamapuna kumagaro,
Vanofamba notupuno notufuta
Twokupfonderesa zvinotorwa mumakura avaridzi,
Aiwa zvaonekwa,
VaMuombandaguta,
Vadyi vemhani.

SOKO NEHUMBA

Evoi Soko,
Nehumba,
Mwana waChigutiro,
Mukonde wangu yuyu,
Mushonga namawere,
Madyamhani angu yaya,
Vanayisi vemvura,
Vari kumakore,
Mugaradzakasungwa,
Matakurambuva,
Tupuno parutivi,
Tufuta twangu munyasi,
Tumhiripiri pakarepo,
Kamugoti kangu pakatire,
Pamusha ndopandarinda,
Maita VaChirongo,
Mufambandichigomera,
Aiwa zvaonekwa,
Soko yangu yiyi,
Vanorara parefu.

Samaita - Mbizi
TEMBO MAZVIMBAKUPA

Maita Mazvimbakupa,

Maita Mbizi, maita Zvimbakugova,


Maita Tembo yangu yiyi,
Hekani Matendera, Ngwere, Njuma isina nyanga,
Zvaitwa Mbizi, zvaitwa Chivara,
Njuma yeRenje,
Hekani vaTembo, Mashongera,
Manjenjenje ganda ravasikana,
Paswe-ziso-mombe-somuchena,
Chinakiramatondo, Maruki, Musimira,
Mapfaravara Matungachuma,
Manyerenyete nyora dzenhurura,
Mazambacheka Mangarivari Matoyameso,
Mbizi yakashonga mikonde savakadzi,
Mhuka isina ukasha kana hundwa,
Zvaitwa Romo, zvaitwa Zenze,
Chigadhugadhu magunde avasikana,
Chitendera chamambo changu chichi,
Chishongo chavakadzi icho chirimudondo,
Vachasiyesiye Mutsikapatinhira,
Vemiswe michena inepfumvudza,
Maita voKwachipfuvachadziviremuto,
Mago matema akasvipa namagaro ose,
Vadyi vamachinda mazana anorasirwei,
Kusvipa dzangare baba wako ano matura mangani?
Zvaitwa maDhuve, zvaitwa mwana waChihota,
Maita vaZungu, vakauya varipamachira,
Kuringa mbizi huringa makumbo,
Kuringa mutumbinoruvara unoyeverwa,
Mhuka inoti kana yomhanya mumatombo,
Kuatsika inoona moto kuti cheru cheru cheru,
Chisikwa chinomuririmira usina mhotswa nechimwe,
Kumira kungoti charavanda,
Ungati mheno anodziudza,
Kuwa kweBinga zuva rinoora.
Hekani vaNyemba, mubvana waChivazve,
Muroro wangu yuyu, mubvana waCharindapanze,
Zvaitwa vari kutsoka, Mahwemanyoro, kudziva ravaSenwa,
Zvaitwa vaHota, maita vaZomba,
Maita vari kuGwara,
Zvaitwa vari kuManyochwa, kwakafira Bindu naChigudza.
Totenda vari uZomba, vari Dzimbahwe, nevari Mabweadzibva.
Maita vari Guvira mucheka wakasunge nyika.
Mazviita zvenyu vari Manyika, Binga guru,
Vane mutupo usingagarwi nenhunzi,
Vakati chidawo chisina masvisvinwa,
Maita vari Chirovarova, vari kuChai,
Mahwemanyoro,
Kuziva zvenyu vari Zomba, kumashapa kunodyiwa
ndurwe nechirimo.
Zvaitwa muHota, zvaitwa tateguru, hekani sikarudzi.
Maita zvenyu dehwe rembizi, gakangoma,
Muno kunaka kunokungurwa navagera zvavo.
Aiwa zvaonekwa Zvimbakupa - Samaita.

TEMBO WAKAPIWA

Hekani Tembo,
VokwaChivara,
VokwaMudzinganisagumbo,
Vari Machecheche,
Machera,
Rukono rwaBenhura,
VokwaNemhapa,
Vari Zimbabwe,
VokwaTachiona,
Nyewe dzaZvezve,
Maita variMandedza,
VokwaKuringambizi huringa makumbo,
Kumusoro kunehwara,
Zvaitwa variMandedza,
Mwana waWachekwemwoyo,
Aiwa zvaonekwa vokwaZiki,
Vamambwa matema.

Chikonamombe - Mhara
MHARA MBUYA CHIKONAMOMBE

Zvaitwa Mhara Mbuya


Vakabva Dzete
Gusho maita
Mbuya Chikonamombe
Vari Chivhu
Vasingashandure mutupo nekubvakacha
Museveradama huswa hwakambundirwa nemasvosve
Vakachakwaira nebani regan’a muMhondoro
Vachitonhodza huro murwizi Mupfure
Nekubvisa maranga kuona zviri chinhambwe
Maita maita Mashayamombe
Veropa rimwe naMaromo weChivhu neHwedza
Vedzinde raMuperekwa
Dzenyu tsoka dzakapfumbidza Chikomba
Roverei hoko paRare
Kune vakachonera Mvuma
Vamwe vachipotera muSanyati yeKadoma
Vakatekeshera muChegutu
Vachisundirwa nevanhu vasina mabvi kuGokwe
Dadai zvenyu nerukuvhute rwaChinengundu
Vamarambakutya vakati kumwana wamisisi
Mushando wemahara bodo
Zvekutera mutero kwete
Kusada kubirwa nyika
Tangei Chimurenga chechiposhi
Futidzirei futudzirei moto
Chindunduma chakati kundumukundu
Zvaonekwa Mashayamombe
Magamba emagamba
Ngazvirambe zvakadaro
Maita maita Mhara yeDzete
Gusho
Mbuya Chikonamombe maita maita.

MBUYA CHIKONAMOMBE

Maita Mbuya,
Maita vari Gombwe,
Kuziva zvenyu vari Rare.
Hekani vaDzete vakabuda muRenje,
Vachiuyawo kuzotitsvagawo VaMaromo.
Zvaitwa vari Zvihota,
Vana vaMaromo,
Gusho rangu riri.
Maita zvenyu Mhara,
Chikonamombe,
Mashayamombe,
Manyuka angu yaya,
Makanyaya churu namate chikave murove.
Maita vari Gangarahwe Mukonde,
Kune Mhara inobhururuka,
Yakaera kutsika pasi kana yomhanya.
Kuziva zvenyu Mhara yangu yiyi,
Makanga musorwara mhezi
Makatozozadzwa mhezi navaranda,
Mazviita zvenyu vokwaSadzadete,
Gobvu rinokonza chitsa,
Dzangare,
Vauyauya vakabva Renje.
Maita vaMaromo, Chigumbu chino unye.
Chinotodenhwa huri usiku
Kuchidenha masikati chinovava.
Maita variZvihota, chikomo chakaumbwa nevhu,
Chisina kana nakatombo zvako pamusoro,
Chinowakwapo chisipiti chete kunge nhova yomucheche
Aiwa Zvaonekwa Gusho,
Zvaitwa Mbuya, Chikonamombe.

Makombe - Nguruve
Humba Nyanguru

Maita Chiunga,
Maita Humba,
Mwana waMakombe, Chomera,
Maita Nguruve, Mutakurwa.
Zvaitwa tateguru wangu Makombe,
Maita waDukudza, ari Jekacheka.
Maita Chirema,
Chirimanemuromo,
Mapadza aripo,
Asi muchiapa varanda.
Maita vari Barwe, Gwindingwi guru,
Vanodzira imba nematope,
Muno muromo unenge gombe rekucheresa mvura.
Zvaitwa Nyanguru,
Makapedza rudzi rwavamwe nenyuchi,
Maita vakarota,
Zvaonekwa Rima,
Tatenda vaChevakaranga naChibonoyo.
Zvaitwa waGosa,
Mwana waZunzangara.
Maita variKaromokapuwe.
Tinotenda variMatitima.
Kuna Nyadekese, kuna Zambezi.
Aiwa zvaitwa mwana waMatope.
Zvaonekwa Nyanguru.
Zvaonekwa Humba.
Nguruve, Chitambanamatope.

Beta - Ishwa
BETA/DHLIWAYO/ISHWA

Aiwa tafara, Ishwa


Dhliwayo, matifadza
Maita vari Chimanimani
Vakabve Mbire
Maita Mutore
Makapotera Makoni muchidarika Mutasa
Maita basa
Aiwa tafarisisa, Beta
Mandemwa, zvaonekwa
Zvaitwa Chikukwa
Saungweme, vanonyuka mumwena wechuru
Vakakombwa nemajuru
Wanei rangove bishi bishi remasoja enyu
Kuwumba imba yenyu
Imba yemuchenje unotapira-tapira
Kukwikwidzana nehuchi hunotapira
Pamainza ndimi vhu
Chenyu chipako chiri pasi pevhu
Munobuda mumwena parukungurima
Bhururukei kwaita rima
Muchinyuka muchidzere
Mune rufaro rwuzere
Maita Ishwa
Maita Dhliwayo
Kubhururuka ndirwo rwenyu rumbo
Makaramba kupiripitika kweshiri yabatwa neurimbo
Vemanhenga asingatane kugwishwa kumusana
Maita vanopunyuka mumwena
Maneta munogadaira nedumbu
Kukwezha nhumbu
Beta Maita maita
Ishwa maita
Matiunzira mvura yeMatonjeni
Nhasi zvakwati nayei nayei
Enyu mapapiro faranukei
Bhururukei
Bhururukei
Ewo Beta, zvaonekwa
Ishwa maita
Tafara nezvamaita izvi.

BETA WABATA DHLIWAYO

Wabata,
Dhliwayo,
Rufura,
Mamberere,
Mauruka,
VaChimapwere,
VaMutiwakopa,
Mutukuti wedanda,
Majeketera,
Manjuru,
Mazivanguva,
Maita Matsindira,
Diutiu rangu riri,
Madzivire,
Musikana anenge ishwa,
Inodyiwa nemanhenga ose.
Maita Beta,
Maita ishwa yangu yiyi,
Dzikarinda hadzidyiwi,
Aiwa zvaonekwa Wabata.

Bhebhe
Bhebhe vokwaTumbare

Bhebhe,
Enzinda,
Tumbare wejira jena,
VaChulu chaNhave,
Vachisavase,
VaChigala nakabhanga,
VaChichengeta munongolo,
VaChilayilo chakanye ishomwe,
VaChifukijavakajidhema,
VaChilimamafunde manji,
Asaiva Tumbare,
Bwana bwomuRozvi bwaitsva muchoto.

Bonga - Chihwa
Maita BONGA CHIHWA
Maita Sigauke
Bonga Chihwa
Mwaita Mutambara
Mwaita WaGarwe
Mutupo wetakagurirana Matikaha ngekuone tsimba
Kuona mumhu tinodedera
Mwaita Bumhi Muera Imbwa
Wanodya ichifamba
Chadonha pasi hawadyi
Dehwe rehosi tusa vanthu
Karimera mutete
Zvaitwa Ngonyamu

Shumba

SHUMBA MHAZI

Maita Shumba,
Zvaitwa Mhazi,
Mhondi inopondera pasina gwenzi.
Hekani Mukanyairi,
Maita vakuru vamasango,

Vanovhundutsa vamwe nomukanya uri muzenze,


Vamadzvovera,
Vabanduri vamapfupa,

Vana meso anozezesa kuringa,


Mukakatira kwasviba,
Vapondi vezvipenyu zvinozvifambira.
Hekanhi Mupwanyanzombe,
Mudyandichiomba,
Mudzvovakamwe,
Mufa ndichiomba,
Vezvitere zvikwatakwata,
Zvinenge zvizinga zvouchi,
Kuridza mutsindo pasi pasakara,
Zvaitwa Chiurayi,
J enamuromo dehwe rehosi.

Tatenda vaChamakanda, vaRuminu, vaZverungu,


Venyika izere mashisha namadu,
Inomera nhemayakanda,
Vamahonyera, Mhukahuru,
Vatangi vemhuri inemukurumbira,
J inda Mutasa,
Zvaitwa Tembo yangu yiyi,
Aiwa zvaonekwa weMhazi.

SHUMBA GURUNDORO

Shumba Gurundoro

Evoi Shumba,
Gurundoro,
Zvaitwa vaMbari,
Maita vaDupwa,
VaSamaringa,
Mhonderapachena
Yakapondera pasina gwenzi.
Zvaitwa Shumba yangu yiyi.
Maita Mhonda,
Maita vari Dziva raSekwa.
Kuziva zvenyu vechikomo cheHarare.
Waita mwana waMbari,
Mukonde wangu yuyu.
Maita zvenyu vaera shumba nembada,
Mbada inamavaramavara,
Isakananvza ichisiya rimwe vara rayo,
Haiti iri idema iri idzvuku.
Maita vomudziva ravaSekwa,
Maita vaDombwe.
Aiwa maita zvenyu mhuru yoMutoko.
Zvaitwa, zvaonekwa mwana waMbari,
Shumba yangu yiyi,
Gurundoro.

SHUMBA NYAMUZIHWA

Maita Nyamuzihwa,

Shumba, Hara,

Maita Muchori.

Maita waNanga wasina mhezi,


Wakabva Buja nembondwe.
Maita Nechinanga, muzukuru waChakoreka.
Ewo Bonga, waChingate,
Muzukuru waMapahwe,
Wari Choma,
Ewoyi Shumba,
Maita Hara.
Maita Nonga rangu riri,

Maita Nyamuzihwa,

Maita wari Mangadza.

Maita wariDombojawa rina mawara machena,


Dombo rakaramba kumera uswa nemiti,
Rinoti kukwira munokwira namabvi,
Rina makwapamakwapa anenge nzira.
Maita zvenyu Shumba,
Chikanda changu chichi,
Maita waTsuri wamasawara.
Kana musipo hapana chinochekwa.
Maita Chiurayi,
Hekani Chikanda,
Mwana waMukombwe naNehoreka,
Chipfuyawarombo,
Hekani waNjapa,
Maita Mutumbe,
Donga, wari Man'anja,
Samanyara,
Zvaitwa Kondovha asingachariki mvura,
Mwana waChinyanga, asingaje imwe mbeu,
Kusiya kwezviyo chete.
Maita wari Tsatsa Mukonde,
Aiwa zvaonekwa Nyamuzihwa,
Tikafira pano wani.

SHUMBA MURAMBWI
Maita Murambwi,
Maita Shumba,
Matikaha,
Kuona chiso.

Hekanhi chibwa, Mushereketi,


Vadzimba vedu, variritiri,
Mutsikapanyoro, vana vaChivi,
Vakanyairi, vadyi vemhuka.
Maita Shumba yangu yiyi,
Hekanhi bumhi rangu riri,
Maita vaMhari, Chipamutoro,
Vari Nyaningwe,
Vari Chamahota,
Maita VaMhungudza,
Vari Baradzanawa.
Zvaonekwa vaMhari, variChitonje,
Vanomuka ngwe namasikati,
Zvaitwa Matikaha nokuone gumbo,
Kuone munhu vanovhunduka.
Maita varere Baradzanwa,
Kwakaparadzanwa baba afa,
Hekanhi Mhungubwe yangu yiyi.
Zvaitwa mwana waChivi,
Aiwa zvaonekwa Mhungubwe, vaNyamukanga,
Makovere.
Zvaitwa muNyaningwe, Chibwa.

Tembo Shumba Samaita

Mwaita Chiwara,
Njuma yerenje,
Mashongera.
Hekani vene VeChirovarova,
Vakabva Marenje.
Mwaita Tembo Shumba,

Magunde avasikana,

Totenda vaChifambausiku,

Tendai
Muzungu, Mutakurwa,
Mushambadzi wamachira,

WaSenwa avete Gorongozi,


Mwaita vari Makarati,
Vari Marenje, Guruuswa
Tatenda VaMoyo,
Zvaitwa Dhuve rangu riri,
Rina makwapa makwapa,
Hekani vaChikanga,
Mbizi Chiverekete.

SHUMBA SIPAMBI

Mazviita Shumba,
Maita Sipambi,
Yakapamba nedzevamwe,
Vadyi vefazhakamwe
Inodyarwa ikamera.
Maita matikaha nokuona tsimba,
Kuona munhu vana vanotya,
Mukakatirakwasviba,
Kumuka ndodzvova, kutsika zvovava,
Mutakuranhawo kuno munhuhwi,
Sipambi, mwana wechikara,
Chokanyaira chobva Magare,
Choinda Imbwarume chisina uta.
Zvaitwa varidinhire Chigarachibwe,
Vari Magare VaMupfurawatya.
Mazviita Mugonderwa,
VokwaMusakadongo, veShanje
Vari Madzimudzangara,
Vari Sikanadema,
Zvaitwa vaTakaindisa naMuzuva,
Vari Chaenda vari Ruvhure.
Waita Charumbira Zvigonyati zvangu zvizvi,
Haiwa zvaitwa vaNhinhi,
Vari Nhinhihuru
Maita saminzwa,
Zvaonekwa vari Nyanda.

Nzou

NZOU SAMANYANGA
Ewo Nzou,

Maita Samnyanga,
Maita Bondorouswa,
Maita vari Mapanda,
Zvaonekwa varidzi vamasango,
Tatenda Nzou, Marigazvuru,
Hekani Matyoramiti,
Ewo ganda, ewo Muvi,
Maita murarandimire,
Murewo wakapaikwa pamhangwa yomuti,
Zvaitwa chirandu,

Vane nzeve dzinenge mahapa,


Mukati tsimba rinenge chisero,
Maita J eranyama, Mutsikapanembiri,
Tatenda Chirandu chamatondo,
Maita vari Chibara chaManyika,
Munetsoka dzinotyakaira pakufamba,
Vatariri vemasango,
Munofamba muchiyeva matunhu,
Aiwa zvaitwa Nzou, Samanyanga,
Zvaonekwa Nyamatsimba.
Mhukahuru.

MBANO MATEMAVI
Evo Nzou, Makunda,

Maita Mbano, evo Musiyiwa,


Mwoyowevhu, zvaitwa Madzorera.
Maita zvenyu vomuGoromonzi, vokwaChikwaka.
Zvaitwa vemvuto chena, vomuDzimwe.
Maita Matemavi, Mbano yangu yiyi,
Chiuya chinenge mukaka,
Chinodyiwa navasina meno,
Mhuka isina mutumbi,
Chiuya chavachafema.
Maita vari pamhiri paNhora,
Vari Dzimwe muGoromonzi,
VokwaChikwaka, Vachivakanamabwe,
Kuvaka nomuti unosakara
Kana kudyiwa nomuchenje.
Maita zvenyu vari Mutiwaora.
Waita waCheza naBenhura,
Zvaitwa maKorekore, VaChipahomwoyo.
Aiwa tatenda Musenda,
Zvaitwa, zvaonekwa vari Dzimwe.

NHARI UNENDORO

Mazviita Nhari,
Unendoro,
Zvaitwa Maokomavi,
VaZungu veDande
Vari mumatanga,
Vakabva Mazumba
Mbira dzichirira mudziva.
Maita Nhuka,
Mombe isina muusi,
Muusi ndini.
Kuziva zvenyu vaNyamombe,
Nhuka Musikiti,
VokwaMugarahukombwa,
Vane mhuka isingaoneki,
VokwaChotakurwa,
Vana meso anenge embiti,
VokwaMuchemwanoshiri,
Vanokufamba kunenge kukavira nyimo,
VokwaJekamvura.
Maita Nyamasvisva,
Vanofamba namago panyanga,
VokwaMhepoinorigazvuru,
Ichisiya hunde dzemiti muTsunga.
Maita vaChihoro Makorekore,
Mwana waBiri naGanyire,
Anokura asingazivi murimo.
Aiwa zvaonekwa Nhari yangu yiyi,
Zvaitwa unendoro,
Maita muTsunga weDande.

Svova - Nyoka
SHATO MHETA

Shato,
Mheta,
Maita Saunyama
Maita Mheta,
Svova nepasi,
Svongongorongo,
Maita mafamba nedumbu,
Chikata.

Chirombowe - Nyati
NYATI

Maita Nyati,

Maita Zvigarambabvu,
Hekani Nyati yangu yiyi,
Zvaitwa shinga, Mwana waMuswere.
Tatenda vari Museso navari Minanga,
Vagari veMhinha, Shonga yangu yiyi,
Vanoramba kudya nyama yomusana,
Muchida yechityu.
Maita Nyati, maita Shonga,
Hekani Makoni wangu mazamu eNyati,
Vanotukwa nedengu romupunga,
Rorukweza riri munyasi.
Kuziva zvenyu Nyati yangu yiyi,
Vachibaya mombe,
Kudya mbudzi urombo.
Zvaitwa vari Masendeke,
Vasingaiswi vhu munzeve,
VokwaChireranherera,
Vari muHomwe,
MuUngwe waDerere asingadyi derere,
Kuteketera kuteketerwa nedengu romupunga,
Rorukweza ngeremhamba,
Vanhu vasingaiti mhezi,

Maita varere Mhinha nevari Masendeke,


Zvaitwa muUngwe.

Dziva
SHAYAMOMBE DZIVA

Shayamombe,

Mandinginda, hove irimudziva,


Maita Dziva, Save
Musaigwa mucheka uzere mavi,
Nyakuzvidzwa, Nhemahuru,
Zindinginda hore iri mudenga,
Masvinyaire risina masa,
Maita vari Majenya,
Zvaonekwa vari Nyaurungu.
Maita muNhobvu wangu yuyu,
Akabva Dzokota, achiera Dziva,
Dziva irihove; hove irinyamasase.
Tatenda varimumvura,
Dambiro ravasikana.

Hekani Muzivikani, Chishongo changu chichi.


Hekani Mironga, Hunga, Dedza,
Kuziva zveny vaMudziva, vaMurambatsvina.
Maita vari Goto, vari Urambi,
Hekanhi Save, Sambiri,
Pakuru mueranamasa.

maita zvenyu vari kuna Save rwizi rwukuru,


Mukota, Madzimbabwe makuru,
Aiwa zvaonekwa Marasamasa.
Gushungo - Tsiwo
TSIWO GUSHUNGO
Maita Gushungo,
VokwaNzungunhokotoko,
Muchero waNegondo,
Maita Tsiwo,
Usavi hwavamwe varume,
Vambwerambwetete,
Kugara pasi kusimuka zvinohwira vhu,
Musati hutukwa,
Mutupo ndowenyu,
Tatenda varidzi venyika,
Vakabva Guruuswa,
Varidzi vamazhanje.
Maita vokwaZvimba,
Vazere muChakona,
Vene vamachiri namakute,

Vano kutizira kunenge kudyaranzungu,


Vakapangura nyika ino
Ichakatsitswa nezamu,
Vomutupo weGushungo,
Vari chipata naMaringohwe,
Aiwa mwana waZvimba,
Zvaitwa vaNgonya.

Zimuto – Nungu
NGARA WAMAMBO

Wamambo,
Maita Nungu yangu yiyi,
Maita Chipiri mukuwasha waMambo.
Hekani Maposa,
Chirashamihwa,
Masvingo aGovere.
Maita Chikandamina,
Weshanu uri pauta.
Maita vari Chirungurira,
Manjekechera, vari Gokomere,
Chizuza changu chichi.
Maita Nungu, Hananda, Zimbovora.
Mazviita vaRusvingo naMazambara,
Vakafura dombo nomuseve rikabuda ropa,
VaMupumbuvoko pachirimo,
Rave zhizha vofura shangwa,
Vakadzidzisa vanhu kutunge timbwa.
Vokutora mapadza avanhu,
Vachindoise mugomo,
Vachibata wanike yangova mihwa yoga,
Nungu yangu yiyi,
Mushayachirashwa,
Minungu ndeyengara,
Nyama usavi hwavamwe,
dehwe richiseveswazve.
Maita vari Govere, Masvingo angu,
Zimwaya, Zimuto wangu yuyu.

HLATYWAYO NUNGU

Tiyashire Nungu,
Matikiti,
Chikandamuseye,
Mwashuma Dekete,
Tinobonga Mafuyateya,
Ndizvo zvinoita kuti tifire pano,
Takauya kuzokonza babayo,
Mwaita Gondemukande,
Mwaona kuti vantu vakatetepa,
Mwashuma Maposa,
Mutupo usikaambirwi,
Mwaita vari Serere Burauta,
Mwashuma Gandirwana,
Mwashuma vari Dimire,
Musatifura baba woye,
Rambai muchitipazve,
Tikafira pano ngenyi.

Hwesa - Musoni
MUSONI SHINDA

Maita mbeva,
Musoni,
Warukore,
Munhuwakure,
Zungunde,
Mutswandiani,
Akagara ngozi,
VaRemba,
Vauyi,
Nyamunaka,
VaMwenye,
Vasingasone neshinda nhema,
Vaerambeva,
Vakashoshonora shono mumwena,
Aiwa zvaitwa Musoni.

Mhlanga - Dhuve
MHLANGA

Aya Dhuve,
Tinotenda Mapanda,
Tiashire Muriwo,
Tinogarira imwi babayo,
Mwana wangu wokubereka,
ABhasera, Amapfupfu, Chivara,
Ndichjo chamwakafira,
Dhuve rangu riri,
Iro zuva rakangoti jene'ene,
Takangogarira njira,
Miromo yaoma nenjara,
Iyo mhamba nechikari babayo.
Zvakangooma zviri pachitaya.
Aiwa zvaitwa vari Mupamba neZomba.
Tinotenda dhuve.
Mwaita vari Chirinda,
Dhuve rinotsika mapuwe eipfuta mwoto,
Aiwa zvaitwa babayo.

Gumbo - Madyirapazhe
GUMBO MADYIRAPAZHE

Mazvita Gumbo

Maita zvenyu Madyirapazhe

Shava huru yaka pamba Gona Gara ramasango


Chipauro chamafuta Chikodza mhandara
Godza muto mhuru inobva Gona
Vezheve tsuku
VeRufura Mushukuru we Gona
Vane chitanga chisisazari ngombe
Chinotozara musi wezvita
Maita vari Masakadya
Maita vari Njaidza
Vari mhiri kwaNyazvidzi
Vari Hwiri
Vari Zvomutumbwe
Vari Raubwi
Vari Muharu huru

Vari chikomo chaMabwazhe, Chisema, Sambiri


Chikara chapazhemwongo
Chifambanamana
Chifuramakuru Mazondo tinodya
Maita vari Svikire
Maita vari Maturi
Vari Chivende
Vari Hubvumwe
Chipatsamakuru Godzamuto
Shava yanguiyi
Chitanga Chikanyamatope

Maita vari mupfukudza kunodyiwa boora nemuchirimo


Vari Chikakatanwa
Vari Boromoka
Vari Mandira
Ganyamatope, hekani Madyirapazhe
Kuti vane zhara vaponewo
Hekani Musipa mareranherera
Matsikapasi kuzorora kuvata
Hekani Gutu
HekaniweGona Ndisengei, senganhundwa
Sengamusoro pane romo neziso
Hekani Mhandamakanga Matakuradumbu
Matangakumwa muviri une nyota
Matsikapachena nepane rima
Vatambi vomuganyiro

Bumazvirema, hekanhi Masengedzwa


Teveratsimba mustvairo wezhira
Hekani Murendo Mushayachirashwa
Mafuta tinozora
Runyanga igonangombe
Gumbo mubhadha
Dovo tinowadza

Nyama tinodya, mukaka tinomwa


Muswe inhawo, ndove inodzura mumba
Zvaitwa Chitova, mushukuru we Gonangombe
Aiwa zvaitwa Gumbo, Chinemukukutu
maKorekore.

GUMBO MADYIRAPANZE

Mazviita Gumbo,
Maita zvenyu Madyirapanze,
Vaidyira panze nokutya Vaera Shiri,
Hekanhi Chidonhamuto,
Chidonhamukaka mhuru inobva muGona,
Chifukamakono hadzi dzakatseketera,
Shava huru yakapamba Gona,
Gara ramasango, chipauro chamafuta,
Godzamuto mhuru inobva Gona,
VoRufura,
Venzeve tsvuku,
Mushukuro weGona,
Vanechitanga chisizari n'ombe,
Chinotozara musi wezvita,
Maita vari Masakadza,
Maita vari Njaidza,
Navari Mhiri kwaNyazvidzi,
Maita vari Hwiru,
Tatenda vari Chikwidzire chamabwe machena,
Chakada mutema muzvare Mataruse,
Hekanhi vari Raubwi,
Vari muhari huru,
Vari chikomo chaMabwazhe,
Mhare yokurwa yaiganza kunge handira,
Zvaitwa Chisema, Sambiri,
Chikara wapanze,
Chifamba namana,
Chifuramakuru, mazondo tinodya,
Maita vari Svikire,
Vari Maturi, vari chivende,
Vari Hubvumwe, Chiputsamakuru; Godzamuto,
Vari Hwiru yaMazonde vokuda nyama,
Vanoera gumbo remombe asi mutumbi wayo vachidya,
Shava yangu yiyi, Chitanga, Chikanyamatope,
Maita vari Mapfukudza kunodyiwa boora nechirimo,
Naka muchadya makunguwo huku dzarova,
Hekanhi Madyirapanze, Ganyamatope,
Kuti vane nzara vaponewo,
Hekanhi Musipa,
Marera Nherera, Matsikapasikuzororahuvata,
Hekanhi Gutu, Hekanhi weGona, ndisengei,
Senga nhundwa, senga musoro pane romo neziso,
Hekanhi Mhandamakan'a, Matakuradumbu,
Matangakunwa muviri une nyota,
Vatambi vemuGanyiro,
Matsika pachena napanerima,
Hekanhi Masangedzwa,
Bvumazvirema,
Teveratsimba mutsvairo wenzira,
Hekanhi Murendo, Mushaya chirashwa,
Mafuta tinozora,
Runyanga igonamombe,
Gumbo mubhadha, dovo tinowadza,
Nyama tinodya, mukaka tinomwa,
Muswe inhawo, ndove indozura mumba,
Zvaitwa Chitova, mushukuro wegonamombe,
Aiwa zvaitwa Gumbo,
Chinemukutu, maKorekore

NHEWA SIMBOTI

Mwaita Nhewa,
Ingwe ina mavara,
Mwazviita Simboti,
Chiruka, Nyakuzvibatira,
Chikatsa, VaMuteyi,
Mwaita wari Kutsoka.
Chirukamachira, wari Mhembere.
Mwazviita wari Mundimu,
Wanoirima Nhewa,
Mhondi inopondera pachena
Pasina kana negwenzi.
Mwaita wari kuChai,
Sanyanga, Buka iwe.
Waita mwana waNyamaruodzo,
Akapinda mubuwe nembwa dzake,
Mwaita henyu wari kuUkuhu,
Muchera,
Chirebvu.

Mwaita wari Tezi,


Mwazviita Nyamuteyi,
Tatenda muTawangena, MuSena,
Aiwa zvaonekwa Nhewa; Simboti.

Mupamomombe - Ngezi
MUTONGA

Maita Mutonga,
Mukoka,
Ngezi,
Maita vari Chivare,
VokwaDumbura,
Vakatumbura mombe nechara,
Chipanga chichisvina ura,
Chatadza kutumbura mombe,
Zvaitwa Mutonga,
Maita variChingondo,
VapaChizarira,
Siyakavhezha,
Varidzi vamasango,
Zvaitwa Ngezi,
Vasireveteki,
Vanotoreveteka kana vasorwa,
Zvaitwa Mupamombe,
Aiwa Mupawose.

Mukuruvambwa – Gwai
GWAI GUMBI
Maita Gwai,

Maita Mukuruvambwa,
Zvaitwa Moyo ndizvo,
Vane chuma chisingaverengwi
Vakatorerwa umambo naMabvakure,
Maita hwai yangu iyi,
Ikachema kunofa dangwe,
Ukaidya unopera mazino,
Maita vana vaMbarure,
Maita vana vaChigondo,
Zvaitwa mhuri yaNyamhunga,
Zvaitwa mhuri yaGora,
Maita zvenyu vari Goromonzi,
Vari Mharamasimbe,
Kuziva zvenyu vari Manyewe,
Vari Baramhanya,
Tatenda vari Mburwi,
Zvaitwa Chuma,
Zvaitwa Gono,
Zvaitwa Gumbi,
Zvaitwa Gwai,
Maita vari Mhondoro,
Maita Sembe,
Chuma-Chitunge,
Tinotenda vari kwaMashayamombe,
Tinotenda Chinhove changu chichi,
Zvaonekwa vari Doworo,
Maita mwana waGora,
Zvaonekwa Gwai rangu iri,
Zvaonekwa Mukuruvambwa.
Debwe tinowarira Nyanga
igonamombe
Ndove tinodzurura mumba
Muswe udenhawo
Haiwa, tatenda
Varidzi venyika
Zvaitwa, Sahayi
Muzinda wapasi
Changamire

You might also like